CORRECTAR LA LETRA

Letra : Mukwasha

He eeh, he eeh

Kumura ngowani
Pfugama nebvi rimwe chete
Wotorova gusvu mukwasha
Denga riye rikatinhira
Tirikuda mbeu neanorima
Wotoona yekutamba mukwasha
Aaah wondimutsa nemutupo
Gara wangoziva kuti ndozviripo
Kana zvakunetsa mwana wangu dzora mukwasha
Uchatenga mombe uchabaya uchavhiya
Uchapura nyemba uchadzura nzungu dziya
Ende baba vati vanoda madhorofiya
Wotomhanya musango mukwasha
Pane andibira pombi yemvura
Kana zondo rangu randanga ndabvura
Vanhu vese vati bvunzai mukwasha
Pakati pevanhu vese varipo
Ndiani watigarira kumhepo
Zvakungonzi bvunzai mukwasha
Ndirikunzwa kuda kurova munhu
Ndirikunzwa kuda kubata munhu
Rega ndimbokurova mukwasha