CORRECTAR LA LETRA

Letra : Dzirere

Muchakura rinhiko?
Pamuchaguma kucheuka miridzo?
Achanamata ndiani?
Kana ndaenda muchamira naniko? (ndaireva)
Muchakura rinhiko?
Pamuchaguma kucheuka miridzo? (ndaireva)
Achanamata ndiani?
Kana ndaenda muchamira naniko?

Ndaireva, ndaimboreva
Kura mwanangu uve gweta
Sevamwe
Ndaireva, ndaimboreva
Kura mwanangu uve chiremba
Ndidadewo

Vanakomana ndinavo
Ava marombe enzira
Vanasikana ndinavo
Vombeya, vozeya
Chamakabata, chamakasimudza
Chandichadada nacho chii?
Zvandave hari yofanzirofa
Ndaringa kumadokero
Vamwe voti dzirere
Dzirere wo, dzichakurera wo