SUBMIT LYRICS
Top 100
Album releases
artists
Community
French
Spanish
Portuguese
Correction Lyrics
Munyaradzi
by
Jah Prayzah
Back
Lyrics
Hee chiriyo dzamara tasangana Wandigumbura, wandigumbura Wandigumbura, wandigumbura Ndizvozvo dzamara tasangana Wandigumbura, wandigumbura Wandigumbura, wandigumbura Ipapo pandaigara Ipapo dhiya ndipo pawaigarawo Ipapo pataivata Dzimwe nguva tairumwa nemarize Zviri mberi Taingobvunza Mwari Mutemberi Kumberi kunei? Kunyangwe mvura yekutambudzika Payaidzika nematama ndaivepo Kuva munyaradzi Ndini ndaive munyaradzi Kuva munyaradzi Ndini ndaive munyaradzi Akazondisiya ndirimo munhamo ndega Tokonyana, tanga tatokonyana Ko seiko Mwendamberi mayaura mega? Takonana, tanga tatokonana Ndakamuti chiriyo, tosangana mberiyo Takanyana, tanga tatokanyana Homwe yakazosara yozara nemazana Tapokana, tanga tatopokana Asi watokanganwa kamhepo kaitirova muchando? Gumbeze rimwe chete rawaiziva ndini wako Wakambotsva maoko nekapoto kasina mubato Mbuya yakakurapa takaiwana tafamba chinhambo Inga watovaraidzwa nemaruva semavara eshato Dai ndaive nemari nguva yacho, ndaingoronga muchato Vaizongotiona tapota nesango Dai ndaiva nemari nguva yacho, ndaingoronga muchato Vaizongotiona tapota nesango Paizouya mhepo ndini ndaive bako Kunyangwe mvura yekutambudzika Payaidzika nematama ndaivepo Kuva munyaradzi Ndini ndaive munyaradzi Kuva munyaradzi Ndini ndaive Munyaradzi Akazondisiya ndirimo munhamo ndega Tokonyana, tanga tatokonyana Ko seiko Mwendamberi mayaura mega? Takonana, tanga tatokonana Ndakamuti chiriyo, tosangana mberiyo Takanyana, tanga tatokanyana Homwe yakazosara yozara nemazana Tapokana, tanga tatopokana Haiwa hurombo mukoma, ndainge ndakashoreka Asi muhana tainge tavaka hukama Ndoyedza kuvata wanike kwayedza Varume ko inga kwachena Asi handina chiedza Zvese zviye, zvese zviye Kwaingova kutungana kwembudzi varume Anouya kuhope ndirere Hope dzacho ndedzerume rudzi varume Zvese zviye, zvese zviye (here zvaguma) Kwaingove kutungana kwembudzi varume (here zvapera) Anouya kuhope ndirere (zvaguma) Hope dzacho ndedzerume rudzi varume (here zvapera)
music video
Your name will be published. Leave fields blanks to remain anonymous.
Submit
Modal title
×
Insert media
Video URL?
(YouTube, Vimeo, Instagram, DailyMotion, Soundcloud)
×
Remember me
Lost password
Sign in
Register